Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 7:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.

9. Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve.

10. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12. Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?

13. Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14. kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo,

15. zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.

16. Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 7