Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 7:7-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro.

8. Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.

9. Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve.

10. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12. Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?

13. Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14. kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo,

15. zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.

16. Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.

17. “Munhu chiiko zvamunomukudza kudai, zvamunomurangarira zvakadai,

18. zvamunomunzvera mangwanani ose nokumuedza nguva dzose?

19. Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?

20. Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 7