Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 7:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza.

5. Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemhezi, ganda rangu rakatsemuka uye raora.

6. “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.

7. Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro.

8. Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.

9. Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve.

10. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12. Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?

13. Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14. kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo,

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 7