Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 7:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12. Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?

13. Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14. kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo,

15. zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.

16. Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.

17. “Munhu chiiko zvamunomukudza kudai, zvamunomurangarira zvakadai,

18. zvamunomunzvera mangwanani ose nokumuedza nguva dzose?

19. Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?

20. Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?

21. Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu nokundiregerera zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovipozve.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 7