Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 7:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Ko, munhu haabati zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita soomushandi here?

2. Senhapwa inoshuva mimvuri yamadekwana, kana mubati akamirira kwazvo mubayiro wake,

3. saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.

4. Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza.

5. Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemhezi, ganda rangu rakatsemuka uye raora.

6. “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.

7. Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 7