Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 6:20-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Vakanyadziswa, nokuti vaivimba nesimba ravo; vakasvikapo, ndokuora mwoyo.

21. Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.

22. Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,

23. ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?

24. “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa.

25. Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko?

26. Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?

27. Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera nokutengesa shamwari yenyu.

28. “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?

29. Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kwava parumananzombe.

30. Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here? Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 6