Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 6:15-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira,

16. dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nechando,

17. asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.

18. Vafambi vanotsauka munzira dzavo; vanoenda kumakura ndokuparara.

19. Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro.

20. Vakanyadziswa, nokuti vaivimba nesimba ravo; vakasvikapo, ndokuora mwoyo.

21. Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.

22. Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,

23. ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?

24. “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa.

25. Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko?

26. Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?

27. Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera nokutengesa shamwari yenyu.

28. “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?

29. Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kwava parumananzombe.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 6