Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 6:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here?

13. Ko, ndine simba ripi zvaro kuti ndizvibatsire, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?

14. “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.

15. Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira,

16. dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nechando,

17. asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.

18. Vafambi vanotsauka munzira dzavo; vanoenda kumakura ndokuparara.

19. Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro.

20. Vakanyadziswa, nokuti vaivimba nesimba ravo; vakasvikapo, ndokuora mwoyo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 6