Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 5:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.

21. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.

22. Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.

23. Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.

24. Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.

25. Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.

26. Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 5