Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 5:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.

19. Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.

20. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.

21. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.

22. Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.

23. Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.

24. Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.

25. Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.

26. Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.

27. “Takazviedza izvi, uye ichokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 5