Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 5:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

15. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.

16. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.

17. “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.

18. Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.

19. Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.

20. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.

21. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.

22. Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.

23. Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.

24. Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 5