Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 5:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?

2. Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.

3. Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.

4. Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.

5. Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.

6. Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.

7. Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.

8. “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.

9. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

10. Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.

11. Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare.

12. Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 5