Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 42:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.

10. Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.

11. Vanun'una vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.

12. Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.

13. Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.

14. Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki.

15. Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.

16. Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina.

17. Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 42