Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 42:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:

2. “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.

3. Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.

4. “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’

5. Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 42