Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 41:24-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Chipfuwa chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo.

25. Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura.

26. Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.

27. Simbi inoita samashanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora.

28. Miseve haingaiti kuti itize zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.

29. Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi; inoseka panorira bakatwa.

30. Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari, inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.

31. Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira, uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.

32. Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya; mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.

33. Hapana chakaenzana nayo munyika, chisikwa chisingatyi.

34. Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza; ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 41