24. Chipfuwa chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo.
25. Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura.
26. Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.
27. Simbi inoita samashanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora.