Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 41:17-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.

18. Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.

19. Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.

20. Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto weshanga.

21. Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.

22. Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo.

23. Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba; dzakasimba uye hadzizungunuswi.

24. Chipfuwa chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo.

25. Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura.

26. Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.

27. Simbi inoita samashanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 41