Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 41:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?

11. Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira? Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.

12. “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo, simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.

13. Ndianiko angabvisa dehwe rayo? Ndianiko angasvika kwairi namatomu?

14. Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo, iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?

15. Musana wayo une mitsara yamakwande yakanyatsonamirwa pamwe chete;

16. rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.

17. Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.

18. Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.

19. Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.

20. Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto weshanga.

21. Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 41