Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 41:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here?

2. Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?

3. Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?

4. Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?

5. Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?

6. Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?

7. Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve yenzeve here, kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?

8. Kana ukaisa ruoko rwako pairi uchazorangarira kurwisana kwako nayo uye haungazozvipamhizve!

9. Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema; kungoiona bedzi kunopedza simba.

10. Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 41