Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 4:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka.

6. Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?

7. “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?

8. Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.

9. Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.

10. Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.

11. Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.

12. “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.

13. Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu,

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 4