Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 4:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.

13. Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu,

14. kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.

15. Mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye vhudzi romusoro wangu rikamira.

16. Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:

17. “Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?

18. Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,

19. zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!

20. Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.

21. Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina njere?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 4