Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 38:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.

5. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?

6. Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,

7. panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vatumwa vose vachipembera nomufaro?

8. “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,

9. pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,

10. pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa magoni aro namazariro panzvimbo yawo,

11. pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?

12. “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,

13. kuti abate magumo enyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?

14. Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 38