Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 38:33-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?

34. “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, nokuzvifukidza namafashamu emvura?

35. Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?

36. Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?

37. Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,

38. kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?

39. “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,

40. kana dzichitsivama mumapako adzo kana dzakavandira mudenhere?

41. Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 38