Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 38:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:

2. “Ndianiko uyo anodzima zano rangu namashoko asina zivo?

3. Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.

4. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.

5. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 38