1. Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:
2. “Ndianiko uyo anodzima zano rangu namashoko asina zivo?
3. Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
4. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.
5. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?