Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 37:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, iye anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.

8. Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo.

9. Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.

10. Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando.

11. Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore.

12. Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.

13. Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake uye kuti aratidze rudo rwake.

14. “Teerera izvi, Jobho, imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.

15. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?

16. Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?

17. Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi,

18. ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 37