Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 37:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. “Tiudzei zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.

20. Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?

21. Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa.

22. Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 37