Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 37:17-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi,

18. ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

19. “Tiudzei zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.

20. Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?

21. Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa.

22. Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.

23. Wamasimba Ose haanzwisisiki uye anokudzwa nesimba; iye haamanikidzi nokuda kwokururamisira uye nokururama kwake kukuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 37