Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 37:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake uye kuti aratidze rudo rwake.

14. “Teerera izvi, Jobho, imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.

15. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?

16. Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?

17. Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi,

18. ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

19. “Tiudzei zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.

20. Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?

21. Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa.

22. Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 37