Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 37:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.

2. Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake.

3. Anosunungura mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika.

4. Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake.

5. Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.

6. Iye anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ uye kumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 37