Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 36:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ndinowana zivo yangu kure; ndichataura kururama kuMuiti wangu.

4. Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi.

5. “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga.

6. Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.

7. Haabvisi meso ake pana vakarurama; anovasimudzira nokusingaperi.

8. Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,

9. iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 36