Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 36:19-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ko, pfuma yenyu kana kushingaira kwesimba renyu kungakutsigirai kuti murege kutambudzika here?

20. Regai kushuva usiku, kuti mukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.

21. Chenjerai kuti murege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvamunoda pachinzvimbo chokutambudzika.

22. “Mwari anokudzwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?

23. Ndianiko akamurayira nzira dzake, kana kuti kwaari, ‘Makanganisa imi?’

24. Rangarirai kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.

25. Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.

26. Haiwa Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 36