Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 36:15-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.

16. “Iye ari kukukwezvai kubva pamuromo wenhamo, kuti akuisei panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, kuzvivaraidzo zvokutafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.

17. Asi zvino maremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubatai imi.

18. Muchenjerere kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai nepfuma; musarega fufuro huru ichikutsausai.

19. Ko, pfuma yenyu kana kushingaira kwesimba renyu kungakutsigirai kuti murege kutambudzika here?

20. Regai kushuva usiku, kuti mukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.

21. Chenjerai kuti murege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvamunoda pachinzvimbo chokutambudzika.

22. “Mwari anokudzwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?

23. Ndianiko akamurayira nzira dzake, kana kuti kwaari, ‘Makanganisa imi?’

24. Rangarirai kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.

25. Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.

26. Haiwa Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.

27. “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, iwo anoshanduka achinaya semvura kuhova;

28. makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.

29. Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mumba make?

30. Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.

31. Ndiyo nzira yaanotanga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 36