Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 36:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Erihu akaenderera mberi achiti:

2. “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.

3. Ndinowana zivo yangu kure; ndichataura kururama kuMuiti wangu.

4. Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi.

5. “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga.

6. Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.

7. Haabvisi meso ake pana vakarurama; anovasimudzira nokusingaperi.

8. Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,

9. iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.

10. Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.

11. Kana vakateerera uye vakamushandira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.

12. Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.

13. “Vasina Mwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.

14. Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 36