Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 32:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8. Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; nemiwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11. Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,

12. ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 32