Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 32:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.

5. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8. Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; nemiwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11. Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,

12. ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake.

13. Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

14. Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri pakukakavadzana kwenyu.

15. “Vashamiswa uye havachina rokureva; vapererwa namashoko.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 32