Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 32:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; nemiwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11. Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,

12. ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake.

13. Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

14. Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri pakukakavadzana kwenyu.

15. “Vashamiswa uye havachina rokureva; vapererwa namashoko.

16. Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

17. Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 32