Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 32:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.

2. Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.

3. Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.

4. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.

5. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8. Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 32