Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 31:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,

6. Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,

7. kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,

8. ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.

9. “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye,

10. ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.

11. Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.

12. Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 31