Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 31:30-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwavo,

31. kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’

32. Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.

33. Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,

34. nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,

35. “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; muponesi wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.

36. Zvirokwazvo ndaimutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorana.

37. Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.

38. “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,

39. kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourinda,

40. ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 31