Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 31:23-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.

24. “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka, ‘Ndiwe chivimbo changu,’

25. kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,

26. kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,

27. zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,

28. zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.

29. “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,

30. handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwavo,

31. kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’

32. Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.

33. Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,

34. nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,

35. “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; muponesi wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.

36. Zvirokwazvo ndaimutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorana.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 31