Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 31:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. uye mwoyo wake ukasandiropafadza kuti adziyirwe namakushe amakwai angu,

21. kana ndasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,

22. ipapo ruoko rwangu ngaruve papfudzi rangu, ngaruvhunike napafundo.

23. Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.

24. “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka, ‘Ndiwe chivimbo changu,’

25. kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,

26. kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,

27. zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,

28. zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.

29. “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,

30. handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwavo,

31. kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 31