Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 31:11-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.

12. Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.

13. “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavanoshushikana neni,

14. ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?

15. Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanaamai vedu here?

16. “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,

17. kana ndakazvichengetera chingwa, ndisingachigoveri nherera,

18. asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,

19. kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokufuka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,

20. uye mwoyo wake ukasandiropafadza kuti adziyirwe namakushe amakwai angu,

21. kana ndasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,

22. ipapo ruoko rwangu ngaruve papfudzi rangu, ngaruvhunike napafundo.

23. Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.

24. “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka, ‘Ndiwe chivimbo changu,’

25. kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 31