Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 31:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.

2. Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?

3. Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?

4. Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?

5. “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,

6. Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,

7. kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,

8. ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.

9. “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye,

10. ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.

11. Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.

12. Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.

13. “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavanoshushikana neni,

14. ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?

15. Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanaamai vedu here?

16. “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 31