Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 29:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;

9. makurukota akaramba kutaura akafumbira miromo yavo namaoko avo;

10. manzwi amakurukota akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.

11. Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,

12. nokuti ndakarwira varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.

13. Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.

14. Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.

15. Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.

16. Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaitamba mhaka yomutorwa.

17. Ndakavhuna meno avakaipa, uye ndakabata chaakanga abata pamazino ake.

18. Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.

19. Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.’

20. Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva mandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 29