Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 26:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Iwe wakavabatsira sei vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!

3. Izanoiko rawakapa asina uchenjeri! Uye wakaratidza njere dzakakura sei!

4. Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?

5. “Vakafa vari pakurwadziwa kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 26