Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 24:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vanovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando.

8. Vanonyorovedzwa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokugara.

9. Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti.

10. Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara.

11. Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.

12. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.

13. “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.

14. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.

15. Ziso remhombwe rinomirira rubvunza vaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.

16. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.

17. Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 24