Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 24:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.

21. Ivo vanodya nyama yomukadzi asingabereki, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.

22. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.

23. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.

24. Vanokudzwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa ndokuunganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.

25. Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 24