14. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.
15. Ziso remhombwe rinomirira rubvunza vaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.
16. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.
17. Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.
18. “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.
19. Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyauka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza.
20. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.
21. Ivo vanodya nyama yomukadzi asingabereki, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.
22. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.
23. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.
24. Vanokudzwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa ndokuunganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.
25. Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?”