Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 24:11-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.

12. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.

13. “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.

14. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.

15. Ziso remhombwe rinomirira rubvunza vaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.

16. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.

17. Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.

18. “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.

19. Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyauka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza.

20. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.

21. Ivo vanodya nyama yomukadzi asingabereki, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.

22. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.

23. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 24