Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 24:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina?

2. Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba.

3. Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.

4. Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda.

5. Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; chirasiro chamarara chinopa vana vavo zvokudya.

6. Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa.

7. Vanovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando.

8. Vanonyorovedzwa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokugara.

9. Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti.

10. Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara.

11. Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.

12. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.

13. “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.

14. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.

15. Ziso remhombwe rinomirira rubvunza vaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.

16. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 24